Micah 2

Urongwa hwoMunhu nohwaMwari

1Vane nhamo avo vanoronga zvakaipa,
avo vanoronga zvakaipa pamibhedha yavo!
Pakuedza kwamangwanani vanozviita
nokuti zviri musimba ravo kuzviita.
2Vanochiva minda vagoipamba,
nedzimba, uye vagodzitora.
Vanobira munhu imba yake,
nomuvakidzani nhaka yake.
3Naizvozvo Jehovha anoti,

“Ndiri kuronga njodzi yokurwisa nayo vanhu ava,
zvamusingagoni kuzvidzivirira kwazviri.
Hamuchazofambizve muchizvikudza,
nokuti ichava nguva yedambudziko.
4Pazuva iro vanhu vachakutukai;
vachakudenhai norwiyo urwu rwokuchema:
‘Taitwa dongo chose;
pfuma yavanhu vangu yagovaniswa.
Anonditorera!
Anopa minda yedu kuna vanotimukira?’ ”

5Naizvozvo muchashayiwa munhu kana mumwe, muungano yaJehovha,
kuti agove nyika nemijenya.

Vaprofita venhema

6Vaprofita vavo vanoti, “Musaprofita,
musaprofita pamusoro pezvinhu izvi;
kunyadziswa hakungatibati.”
7Zvingataurwe here, nhai imi imba yaJakobho, kuti:
“Ko, mweya waJehovha watsamwa here?
Iye anoita zvinhu zvakadaro here?”

“Ko, mashoko angu haaiti zvakanaka here
kuno uyo ane nzira dzake dzakarurama?
8Asi mazuva ano vanhu vangu
vakandimukira somuvengi.
Munobvisa majasi anokosha
pane avo vanopfuura musina kana hanya,
savarume vodzoka kubva kuhondo.
9Munodzinga madzimai avanhu vangu
kubva mudzimba dzavo dzakanaka.
Munotora ropafadzo yangu
kubva kuvana vavo nokusingaperi.
10Simukai, ibvai pano!
Nokuti ino haisi nzvimbo yenyu yokuzororera,
nokuti yakasvibiswa,
yakaparadzwa zvisingagadziriki.
11Kana munyepi nomunyengeri akauya oti,
‘Ndichakuprofitirai waini zhinji nedoro,’
iyeyu achava muprofita wavanhu ava!

Kudzikinurwa kunovimbiswa

12“Zvirokwazvo ndichakuunganidzai imi mose, iwe Jakobho;
zvirokwazvo ndichaunganidza pamwe chete vakasara vaIsraeri.
Ndichavaunganidza pamwe chete samakwai muchirugu,
seboka pamafuro aro; nzvimbo yacho ichazara navanhu.
13Uyo achaparura nzira achaenda pamberi pavo;
vachapwanya napasuo vagobuda panze.
Mambo wavo achapfuura ari pamberi pavo,
Iye Jehovha achivatungamirira.”
Copyright information for SnaBDSC